Isaiah 31

Vane Nhamo Vanovimba neIjipiti

1Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro,
vanovimba namabhiza,
vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo
uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza,
asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri,
kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha.
2Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa njodzi;
haangadzosi mashoko ake.
Iye achamukira imba yavakaipa,
naavo vanobatsira vanoita zvakaipa.
3Asi vaIjipita vanhu uye havasi Mwari,
mabhiza avo inyama uye haasi mweya.
Zvino panotambanudza Jehovha ruoko rwake,
uyo anobatsira achagumburwa,
uyo achabatsirwa achawa;
vose vachaparara pamwe chete.
4Zvanzi naJehovha kwandiri:

“Sezvinoita shumba inoomba,
seshumba huru pamusoro pechayabata,
kunyange mhomho yose yavafudzi
ikakokerwa pamwe chete kuzorwa neshumba iyi,
iyo haingavhundutswi noruzha rwavo,
kana kukanganiswa nemhere yavo,
saizvozvo Jehovha Wamasimba Ose achaburukira pamusoro peGomo reZioni
napazvikomo zvaro kuzorwa hondo.
5Seshiri dzinobhururuka napamusoro,
Jehovha Wamasimba Ose achadzivirira Jerusarema;
acharidzivirira, acharirwira,
achadarika pamusoro paro uye acharisunungura.”
6Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vaIsraeri. 7Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.

8“Asiria ichawisirwa pasi nomunondo usati uri womunhu;
munondo, kwete wavanhu, uchavapedza.
Vachatiza pamberi pomunondo
uye majaya avo achaiswa kuchibharo.
9Nhare dzavo dzakasimba dzichawa nokuda kwokutya;
vatungamiri vavo vachavhundutswa pavachaona mureza wehondo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
ane moto wake paZioni
choto chake chiri muJerusarema.
Copyright information for SnaBDSC